Munyori Fred Farai Nyakudanga
Vanhu chavanoda huchi kwete nyuchi dzacho, ndizvomaringe nenhau yevaimbi. Ukaona manakidzirwo anoita vanhu pamichato, munzvimbo dzemafaro unofunga kuti vayimbi vacho vanhu vanokosheswa.
Nguva inotorwa nevayimbi kugadzira nziyo Haina kusiyana nezvinoita nyuchi kupekesha masango ichitsvaga mune nhapitapi. Asi yazopedza kugadzira huchi uhwu inohutorerwa nevanhu vanouya nechiutsi kupfungaidzira nyuchi kuti ivo votore havo huchi votakurira mhuri dzavo.
Vanhu varikupanana music pa social media, vamwe vanotenga kumikoto ye piracy muyimbi achisara asina kana mari yekutengawo zvikwanisiro zvekurarama. Nyika ino yese kusvika kuvakuru ve hurumende hapana arikutenga mhanzi. Muyimbi zvirikunetsa chose kuti ararame ne dikita rake.
Kuyimba inungo here pachokwadi, musi wa 26 July 2023 takayenda ku studio nevamwe vayimbi tichinogadzira nzimbo dzekukurudzira runyararo kumhuri ye Zimbabwe. Mufunge takarara tigere tichiita kuti tipedze recording.
Ruzhinji rwevanhu unonzwa rwuchiti vayimbi marombe uye havana musoro asi ndivo varikuita kuti church ikwanise kuita pungwe vachiimba ku praise and worship, ndivo zvekare vanoita muchato unakidze ndinorangarira Allan Kounkou akambonetsa nenziyo dzake vana 380 Volts, My Soukus is fantastic.
Muyimbi anoshingayira chose, iro basa rekugadzira mhanzi harisi nyore. Muyimbi anotoda pfungwa kunyora mashoko anotambirika. Kuzoisa mashoko anyorwa mukati mezviridzwa hazvisi nyore.
Tererai rwiyo rwakanyorwa na Fred Farai Finto (FFF) achitsanangura nyaya irikushungurudza vayimbi iyi. Nungo iyo yakazoimbwa na Doubles Wekwa Marange
Listen to the song on YouTube
https://youtu.be/yvZwAb3m2hE
Comments
Post a Comment