Skip to main content

Doubles Wochemera Munda Usatiwamborimwa – Gombo

 





Pasi pasati parohwa nenyundo, Tsuro uchanetsana na sekuru wake Gudo munhaurwa zhinji dzangova ngano. Pamusha payiti pakazvarwa mwanakomana Baba vemwana uyu vaibva vatobatira Gombo rekuti mwana wavo azovakirapo iye nemhuri yake. Zvino kuuya kwakazoita vachena nekuzvitonga zvizere koita vatema minda yave kutengeswa.


Doubles Wekwa Marange uyo akazvarwa achidanwa kuti Decide Razerera mudunhu rinozikanwa nekuti Bocha anouya nenziyo yake. Gombo chimbo chinouya nekudzidzisa uye kuvaraidza uchinge uri parwendo hako wakananga kumarimuka. Nziyo iyi yakanyatso batanidzwa nemusambo wemazuva ano zvekuti unobva wanyatofarira kuterera mashoko anoita seanonyangira dudziro yavo. 


Doubles unochema chema kuti gombo nderake nekuti unoridiridzira uye anorisakurira. Chokwadi mwanu uya wekuti gengezha mukombe hazvienzane neasina Doubles arikuuramba. Vamwe vanoti chitsaru kune umwe chitsva kune umwe. Doubles ati iye anoda chiri chitsva chitsaro bodo. 


Hudzamu munyaya iyi hwasvasvamhira kumagariro oyita munhu mutema nhasi, kurasika kwaita tsika dzedu. ZPasi pasati parohwa nenyundo, Tsuro uchanetsana na sekuru wake Gudo munhaurwa zhinji dzangova ngano. Pamusha payiti pakazvarwa mwanakomana Baba vemwana uyu vaibva vatobatira Gombo rekuti mwana wavo azovakirapo iye nemhuri yake. Zvino kuuya kwakazoita vachena nekuzvitonga zvizere koita vatema minda yave kutengeswa.


Doubles Wekwa Marange uyo akazvarwa achidanwa kuti Decide Razerera mudunhu rinozikanwa nekuti Bocha anouya nenziyo yake. Gombo chimbo chinouya nekudzidzisa uye kuvaraidza uchinge uri parwendo hako wakananga kumarimuka. Nziyo iyi yakanyatso batanidzwa nemusambo wemazuva ano zvekuti unobva wanyatofarira kuterera mashoko anoita seanonyangira dudziro yavo. 


Doubles unochema chema kuti gombo nderake nekuti unoridiridzira uye anorisakurira. Chokwadi mwanu uya wekuti gengezha mukombe hazvienzane neasina Doubles arikuuramba. Vamwe vanoti chitsaru kune umwe chitsva kune umwe. Doubles ati iye anoda chiri chitsva chitsaro bodo. Kuchawanikwa Gombo munyika yaani, munda usina ati amboti badza go kutema. Chokwadi minda yose yangorizhwa hapachina kana nebvute rekuwanda zuva.


Kuvawo nechako chitsva chisina anokudadira kana kukudzikisira achiti ndakabva neko kwakangonaka. Nyaya iyi ndirikuona ichinetsa kuvana kadzi. Vazhinji vava kuremekedza kodzero dzavo ivo asi vasingatarisewo hudzamu hwekwavachazono misa misha, vangofanana nenyuchi dzinozvimwira huchi hwadzo. Mwanakadzi akaita rukudzo chokwadi vemhuri kana venharaunda vanomira naye. Humbimbindoga hwatiparadzira misha mizhinji. Mwanasikana ivawo gombo iro rachemedza mujaya we Bocha, Doubles Wekwa Marange. Ndinovimba Jaya iri rave Kuda kuwana, asi regai ndisafungire mazuva haana gava mwedzi anosvika chete.


Mufunge ndaitarisira hunhu hwakanaka kubva kumwana sikana oga, asi ndakazodzidza kuti mwanakomana anodawo kuva nehunhu. Ungava saimba akaita seyi kana usingagone kuzvibata. Haungaite sechibhorani chinogijwa chero ne Chembere dzine nyota. Chokwadi haungaite semudhuri we chikoro unoguzirwa chero nembudzi. Munhurume ivawo nechiremerera uvewo gombo remudikani wako.




Uyu mujaya anonzi Doubles akavamba kuimba achifadza mhuri ye Zimbabwe mugore ra 2010 munzvimbo ye Kwekwe. Kubva ipapa akabva angorungamisa nziyo madambarefu kusvika nhasi. Doubles anoimba musambo wese chero zvichibudisa mhanzi, asi nziyo dzake zhinji dzakarekera kune vanamazvikokota vanodevedza kuti Afro Pop uye Reggae kana  Dancehall.


Kuti uwane nziyo ya Doubles itsva iyi mubateyi pambozha nhare yake nekubaya link iripakaperera nyaya ino.


https://wa.me/263773183890




Comments

  1. Woooow.... Munyori anogonesa uyuu

    ReplyDelete
  2. ❤️❤️❤️❤️❤️🙏

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular posts from this blog

In loving memory of Mrs. Josephine Machuma (Nee Matongo)

  Written by Fred Farai Nyakudanga   Mrs. Machuma played a pivotal role in shaping my Christian values and that of many during her time as a Sunday School teacher at St. Stephen United Methodist Church in the early 80s. Her catechism teachings strengthened my faith in the birth and death of Jesus Christ, and her picturesque illustrations of God’s omnipotence and omniscience remain vivid in my mind. As a dedicated teacher with stints at Zengeza 5 and 8 Primary Schools, Mrs. Machuma was known for her blunt yet nurturing approach. She would candidly address shortcomings, and her passion for education was evident. Many students, including myself, benefited from her guidance, and I’m sure many share my sentiments about her calling to educate. Together with her husband, Mr. Shepherd Machuma, the family embodied the good teachings of John Wesley. Their union, bound by vows of love and commitment, was a testament to the power of marriage. Even in separation, their love remains unwaver...

Greener Pastures Do Not Secure A Fat Cow

  Written by Fred Farai Nyakudanga Just like cows seeking greener pastures, humans are drawn to opportunities that promise better living standards. However, I pose a critical question: do greener pastures truly guarantee prosperity if the underlying conditions are flawed? Perhaps the lack of progress is not due to the absence of opportunities, but rather the result of haphazard approaches, poor planning, and neglected resources. In the pursuit of a better life, many Africans seek opportunities in diaspora, enticed by promises of higher salaries and improved living standards. Yet, I firmly believe that true fulfillment and lasting impact can only be achieved by addressing the underlying conditions that hinder our progress in our own autonomous land – a land where we have territorial integrity. These underlying conditions include : 1. Absent value creation mechanisms : Failing to harness value from our resources and talents, instead relying on others for validation. 2. Disunity : Lac...

United Methodist Church: A Path of Continuous Improvement

   Written by Fred Farai Nyakudanga  As a product of the United Methodist Church, I've come to realize the immense value of the administrative, business and leadership skills that the church imparts. Initially, I didn't appreciate these aspects, but after exploring other denominations, I returned to the United Methodist Church, recognizing its exceptional leadership development opportunities. The church's reporting system has had a profound impact on my self-development, and the process of worship, family ministering, and starting new churches has equipped me with replicable skills that I've applied to my daily life. Through the United Methodist Church, I've developed strong decision-making skills, strategic thinking, and effective communication. These skills have, in turn, fostered my commitment to transparency and social justice, which are now core values that I uphold in all my endeavors. I've come to expect accountability and fairness in any group or associa...