1. Kusvipatsanura ( Branding) Unofanirwa kuzvipatsanura kuti vatereri vagone kukuziva pachako wega nemaitiro ako wega. Unogona kuzikanwa semuimbi anoyimba kushungurudzika kwevarume. Vese varume vanoshungurudzika vachanzwa kufara pese paunoimba. Uyewo nevaya vane hama irikushungurudzwa vachafarirawo mimhanzi yako nekuti vanofunga hama iya inoshungurudzika. Humhizha (Creativity) Kuimba kwako kunofanirwa kurakidza hudzamu uye humhizha hwako wega. Munhu akanzwa mhanzi yako haafanirwe kuyifananidza neyevamwe uye yawakamboridza. Kune vamwe vanoimba vachitedzerera vamwe vaimbi, hauzomborega kugara wakayenzwaniswa neuya waunotedzera Zvido Zvevanhu ( Satisfy Needs ) Basa remuimbi kufadza vanhu ndiko kuti uwane vanotenga. Panotori netsvakurudzo dzaunofanira kuita kuti vanhu varikudeyi mazuva ano. Pane chimbo chakapedza makore andinofungira kuita kunge Mana 4 chichitambwa. Chaive chimbo chava Patrick Mukwamba chinonzi Bonus. Kareko vanhu vayishanda mu industry nemumabasa ...