Skip to main content

Posts

Showing posts from July, 2023

Kukosha Kwebasa rekuyimba Nekuzodzikisirwa Kwemuyimbi Kokatyamadza Muyimbi Doubles Wekwa Marange.

  Munyori Fred Farai Nyakudanga Vanhu chavanoda huchi kwete nyuchi dzacho, ndizvomaringe nenhau yevaimbi. Ukaona manakidzirwo anoita vanhu pamichato, munzvimbo dzemafaro unofunga kuti vayimbi vacho vanhu vanokosheswa.  Nguva inotorwa nevayimbi kugadzira nziyo Haina kusiyana nezvinoita nyuchi kupekesha masango ichitsvaga mune nhapitapi. Asi yazopedza kugadzira huchi uhwu inohutorerwa nevanhu vanouya nechiutsi kupfungaidzira nyuchi kuti ivo votore havo huchi votakurira mhuri dzavo.  Vanhu varikupanana music pa social media, vamwe vanotenga kumikoto ye piracy muyimbi achisara asina kana mari yekutengawo zvikwanisiro zvekurarama. Nyika ino yese kusvika kuvakuru ve hurumende hapana arikutenga mhanzi. Muyimbi zvirikunetsa chose kuti ararame ne dikita rake. Kuyimba inungo here pachokwadi, musi wa 26 July 2023 takayenda ku studio nevamwe vayimbi tichinogadzira nzimbo dzekukurudzira runyararo kumhuri ye Zimbabwe. Mufunge takarara tigere tichiita kuti tipedze recording. Ruzhinji rwevanhu unonzwa